12 Ndichafanokutemerai kuti muparadzwe nebakatwa,+ uye mose zvenyu muchakotama kuti muurayiwe;+ nokuti ndakashevedza,+ asi hamuna kupindura; ndakataura, asi hamuna kuteerera;+ makaramba muchiita zvakaipa pamberi pangu,+ uye makasarudza chinhu chandisina kufarira.”+