Eksodho 23:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 “Usagamuchira pfumbamuromo, nokuti pfumbamuromo inopofumadza vanhu vanoona zvakanaka uye inogona kukanganisa mashoko evanhu vakarurama.+ Dheuteronomi 16:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Usatsaudzira pakutonga.+ Usasarura+ kana kugamuchira pfumbamuromo, nokuti pfumbamuromo inopofumadza maziso evakachenjera+ uye inokanganisa mashoko evakarurama. Zvirevo 29:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Kana mambo akaruramisira, anoita kuti nyika irambe yakamira,+ asi munhu anoda pfumbamuromo anoiparadza.+ Isaya 1:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Machinda ako akasindimara uye ishamwari dzembavha.+ Mumwe nomumwe wavo anoda pfumbamuromo+ uye anodzingirira zvipo.+ Havatongi mhosva nokuda kwenherera; uye havagamuchiri mhosva inouya nechirikadzi.+
8 “Usagamuchira pfumbamuromo, nokuti pfumbamuromo inopofumadza vanhu vanoona zvakanaka uye inogona kukanganisa mashoko evanhu vakarurama.+
19 Usatsaudzira pakutonga.+ Usasarura+ kana kugamuchira pfumbamuromo, nokuti pfumbamuromo inopofumadza maziso evakachenjera+ uye inokanganisa mashoko evakarurama.
4 Kana mambo akaruramisira, anoita kuti nyika irambe yakamira,+ asi munhu anoda pfumbamuromo anoiparadza.+
23 Machinda ako akasindimara uye ishamwari dzembavha.+ Mumwe nomumwe wavo anoda pfumbamuromo+ uye anodzingirira zvipo.+ Havatongi mhosva nokuda kwenherera; uye havagamuchiri mhosva inouya nechirikadzi.+