8 Kune munhu anogara ari oga, asina wechipiri;+ iye haanawo mwanakomana kana hama,+ asi basa rake rose rakaoma hariperi. Maziso akewo haagutswi nepfuma:+ “Ndiri kushandira ani nesimba ndichiita kuti mweya wangu ushayiwe zvinhu zvakanaka?”+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira, uye ibasa rinotambudza.+