Pisarema 72:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo;+Zvichafashukira pamusoro pemakomo.+Michero yake ichaita sezvakaita iri muRebhanoni,+Vaya vanobva muguta vachatumbuka sezvinoita zvinomera panyika.+ Isaya 60:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 “Kunaka kweRebhanoni kuchauya kwauri, muti womujunipa, nomupfuri nomusaipresi panguva imwe chete,+ kuti ndiite kuti nzvimbo yenzvimbo yangu tsvene inake;+ uye ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.+ Isaya 61:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 kuti ndipe vaya vanochema pamusoro peZiyoni, kuti ndivape chishongo chomusoro panzvimbo pemadota,+ mafuta okupembera nomufaro+ panzvimbo pokuchema, jasi rokurumbidza panzvimbo pokuora mwoyo;+ uye ivo vachanzi miti mikuru yokururama,+ zvakadyarwa naJehovha,+ kuti apiwe runako.+ Hosiya 14:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Matavi ake achatungira, kukudzwa kwake kuchaita sokuya kwomuti womuorivhi,+ uye kunhuhwirira kwake kuchaita sokuya kwomuti wokuRebhanoni.
16 Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo;+Zvichafashukira pamusoro pemakomo.+Michero yake ichaita sezvakaita iri muRebhanoni,+Vaya vanobva muguta vachatumbuka sezvinoita zvinomera panyika.+
13 “Kunaka kweRebhanoni kuchauya kwauri, muti womujunipa, nomupfuri nomusaipresi panguva imwe chete,+ kuti ndiite kuti nzvimbo yenzvimbo yangu tsvene inake;+ uye ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.+
3 kuti ndipe vaya vanochema pamusoro peZiyoni, kuti ndivape chishongo chomusoro panzvimbo pemadota,+ mafuta okupembera nomufaro+ panzvimbo pokuchema, jasi rokurumbidza panzvimbo pokuora mwoyo;+ uye ivo vachanzi miti mikuru yokururama,+ zvakadyarwa naJehovha,+ kuti apiwe runako.+
6 Matavi ake achatungira, kukudzwa kwake kuchaita sokuya kwomuti womuorivhi,+ uye kunhuhwirira kwake kuchaita sokuya kwomuti wokuRebhanoni.