8 Tarirai ndichavaunza vachibva kunyika yokuchamhembe,+ ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara, mukadzi ane pamuviri neari kusununguka, vose pamwe chete.+ Vachadzoka kuno vari ungano huru.+