RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 43:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 “Ini ndakazivisa, ndakaponesa uye ndakaita kuti zvinzwiwe,+ pakwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu.+ Naizvozvo imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ini ndini Mwari.+

  • Isaya 44:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Musatya, uye musakatyamadzwa.+ Kubvira panguva iyoyo handina kuita kuti mumwe nomumwe anzwe uye handina kukuzivisai here?+ Imi muri zvapupu zvangu.+ Kune mumwe Mwari ariko kunze kwangu here?+ Aiwa, hakuna rimwe Dombo.+ Hakuna rimwe randinoziva.’”

  • Johani 15:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 uye imiwo, munofanira kupupura,+ nokuti mave muineni kubvira pandakatanga.

  • Mabasa 1:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 asi muchagamuchira simba+ kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu+ zvangu muJerusarema+ nomuJudhiya mose nomuSamariya+ uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”+

  • 1 VaKorinde 15:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Zvakare, isu tinganziwo tiri zvapupu zvenhema zvaMwari,+ nokuti takapupura+ zvinopesana naMwari kuti iye akamutsa Kristu,+ asi iye asina kumumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havazomutswi.+

  • Zvakazarurwa 1:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ no“Mutongi wemadzimambo enyika.”+

      Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake+—

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe