Isaya 8:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Achatarira pasi, oona kutambudzika nerima,+ kusviba, nguva dzakaoma nezarima risina chiedza.+ Jeremiya 4:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Ndakaona nyika, uye tarira! yakanga isina chinhu uye yaparara;+ uye mumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.+ Joeri 2:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Nyika yadedera pamberi pavo, matenga azununguka. Zuva nomwedzi zvasviba,+ uye nyeredzi hadzichapenyi.+ Amosi 8:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 “‘Zvino pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati makuru,+ uye ndichaita kuti panyika pave nerima masikati machena.
23 Ndakaona nyika, uye tarira! yakanga isina chinhu uye yaparara;+ uye mumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.+
10 Nyika yadedera pamberi pavo, matenga azununguka. Zuva nomwedzi zvasviba,+ uye nyeredzi hadzichapenyi.+
9 “‘Zvino pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati makuru,+ uye ndichaita kuti panyika pave nerima masikati machena.