Genesisi 22:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako+ nokuti wateerera inzwi rangu.’”+ VaRoma 11:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Zvino, saizvozvo, pamwaka unowo vakasara+ vavapo maererano nokusarudza+ kwakaitwa kuti kuvepo nomutsa usina kukodzera kuwanwa. VaGaratiya 3:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Zvino zvipikirwa zvakataurwa kuna Abrahamu+ uye kumwana*+ wake. Icho hachitauri chichiti: “Kuvana,” sokune vazhinji vakadaro, asi sokune mumwe chete,+ icho chinoti: “Kumwana wako,”+ uyo ari Kristu.+ VaGaratiya 3:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana* vaAbrahamu,+ vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.+
5 Zvino, saizvozvo, pamwaka unowo vakasara+ vavapo maererano nokusarudza+ kwakaitwa kuti kuvepo nomutsa usina kukodzera kuwanwa.
16 Zvino zvipikirwa zvakataurwa kuna Abrahamu+ uye kumwana*+ wake. Icho hachitauri chichiti: “Kuvana,” sokune vazhinji vakadaro, asi sokune mumwe chete,+ icho chinoti: “Kumwana wako,”+ uyo ari Kristu.+
29 Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana* vaAbrahamu,+ vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.+