Isaya 35:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Pachava nomugwagwa mukuru,+ iyo nzira; uye ichanzi Nzira yoUtsvene.+ Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+ Ichava youya ari kufamba munzira yacho, uye hapana mapenzi achadzungaira mairi. Isaya 40:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje,+ achiti: “Gadzirai nzira yaJehovha!+ Ruramisai mugwagwa mukuru waMwari wedu unopfuura nomubani rerenje.+ Isaya 62:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Budai, budai nepamagedhi. Gadzirai nzira yevanhu vacho.+ Umbiridzai, umbiridzai mugwagwa mukuru. Ubvisei matombo.+ Simudzirai marudzi chiratidzo.+
8 Pachava nomugwagwa mukuru,+ iyo nzira; uye ichanzi Nzira yoUtsvene.+ Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+ Ichava youya ari kufamba munzira yacho, uye hapana mapenzi achadzungaira mairi.
3 Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje,+ achiti: “Gadzirai nzira yaJehovha!+ Ruramisai mugwagwa mukuru waMwari wedu unopfuura nomubani rerenje.+
10 Budai, budai nepamagedhi. Gadzirai nzira yevanhu vacho.+ Umbiridzai, umbiridzai mugwagwa mukuru. Ubvisei matombo.+ Simudzirai marudzi chiratidzo.+