Pisarema 86:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Marudzi ose amakaita achauya,+Achakukotamirai, haiwa Jehovha,+Uye achakudza zita renyu.+ Zekariya 14:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 “Zvino vanhu vose vachasara pamarudzi ose achauya kuzorwa neJerusarema,+ vachakwira kunokotamira Mambo+ gore negore,+ iye Jehovha wemauto,+ uye kunoita mutambo wematumba.+ Maraki 1:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 “Nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira,+ uye utsi hwezvibayiro+ huchakwidzwa munzvimbo dzose, zita rangu richaunzirwa chinopiwa, icho chipo chakachena;+ nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi,”+ Jehovha wemauto adaro.
16 “Zvino vanhu vose vachasara pamarudzi ose achauya kuzorwa neJerusarema,+ vachakwira kunokotamira Mambo+ gore negore,+ iye Jehovha wemauto,+ uye kunoita mutambo wematumba.+
11 “Nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira,+ uye utsi hwezvibayiro+ huchakwidzwa munzvimbo dzose, zita rangu richaunzirwa chinopiwa, icho chipo chakachena;+ nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi,”+ Jehovha wemauto adaro.