Isaya 11:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Pachava nomugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nokuda kwevanosara+ vevanhu vake avo vachasara,+ sezvapakava nomumwe nokuda kwaIsraeri pazuva raakabuda munyika yeIjipiti. Isaya 35:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Pachava nomugwagwa mukuru,+ iyo nzira; uye ichanzi Nzira yoUtsvene.+ Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+ Ichava youya ari kufamba munzira yacho, uye hapana mapenzi achadzungaira mairi. Isaya 40:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje,+ achiti: “Gadzirai nzira yaJehovha!+ Ruramisai mugwagwa mukuru waMwari wedu unopfuura nomubani rerenje.+
16 Pachava nomugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nokuda kwevanosara+ vevanhu vake avo vachasara,+ sezvapakava nomumwe nokuda kwaIsraeri pazuva raakabuda munyika yeIjipiti.
8 Pachava nomugwagwa mukuru,+ iyo nzira; uye ichanzi Nzira yoUtsvene.+ Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+ Ichava youya ari kufamba munzira yacho, uye hapana mapenzi achadzungaira mairi.
3 Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje,+ achiti: “Gadzirai nzira yaJehovha!+ Ruramisai mugwagwa mukuru waMwari wedu unopfuura nomubani rerenje.+