2 Makoronike 36:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Asi vakaramba vachiseka+ nhume dzaMwari wechokwadi, vachizvidza mashoko ake+ uye vachinyomba+ vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira+ vanhu vake, kusvikira zvisingachagadziriki.+ Jeremiya 6:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 “Ndichataura naani ndonyevera, kuti vanzwe? Tarira! Nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, zvokuti havakwanisi kuteerera.+ Tarira! Kwavari shoko raJehovha rava kuzvidzwa,+ iro shoko ravasingafariri.+ Jeremiya 15:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Imi makaziva.+ Haiwa Jehovha, ndiyeukei,+ mufunge nezvangu, munditsivire vatambudzi vangu.+ Musandibvisa pakunonoka kutsamwa kwenyu.+ Cherechedzai kutsungirira kuzvidzwa kwandiri kuitwa nokuda kwenyu.+
16 Asi vakaramba vachiseka+ nhume dzaMwari wechokwadi, vachizvidza mashoko ake+ uye vachinyomba+ vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira+ vanhu vake, kusvikira zvisingachagadziriki.+
10 “Ndichataura naani ndonyevera, kuti vanzwe? Tarira! Nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, zvokuti havakwanisi kuteerera.+ Tarira! Kwavari shoko raJehovha rava kuzvidzwa,+ iro shoko ravasingafariri.+
15 Imi makaziva.+ Haiwa Jehovha, ndiyeukei,+ mufunge nezvangu, munditsivire vatambudzi vangu.+ Musandibvisa pakunonoka kutsamwa kwenyu.+ Cherechedzai kutsungirira kuzvidzwa kwandiri kuitwa nokuda kwenyu.+