Pisarema 106:47 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+Tiunganidzei kubva kumarudzi+Kuti tionge zita renyu dzvene,+Tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+ Isaya 11:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Zvino pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri,+ kuti awane vanosara vevanhu vake vachasara kuAsiriya+ nokuIjipiti+ nokuPatrosi+ nokuKushi+ nokuEramu+ nokuShinari+ nokuHamati nokuzvitsuwa zvegungwa.+ Isaya 35:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+ Jeremiya 29:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaunganidza boka renyu renhapwa, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ose nokunzvimbo dzose dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mubviswe pamakatapwa.’+ Jeremiya 31:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Tarirai ndichavaunza vachibva kunyika yokuchamhembe,+ ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara, mukadzi ane pamuviri neari kusununguka, vose pamwe chete.+ Vachadzoka kuno vari ungano huru.+ Zekariya 10:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 “‘Ndichavaridzira muridzo+ ndovaunganidza; nokuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji, sevaya vaiva vazhinji.+
47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+Tiunganidzei kubva kumarudzi+Kuti tionge zita renyu dzvene,+Tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+
11 Zvino pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri,+ kuti awane vanosara vevanhu vake vachasara kuAsiriya+ nokuIjipiti+ nokuPatrosi+ nokuKushi+ nokuEramu+ nokuShinari+ nokuHamati nokuzvitsuwa zvegungwa.+
10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+
14 Ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaunganidza boka renyu renhapwa, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ose nokunzvimbo dzose dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mubviswe pamakatapwa.’+
8 Tarirai ndichavaunza vachibva kunyika yokuchamhembe,+ ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara, mukadzi ane pamuviri neari kusununguka, vose pamwe chete.+ Vachadzoka kuno vari ungano huru.+
8 “‘Ndichavaridzira muridzo+ ndovaunganidza; nokuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji, sevaya vaiva vazhinji.+