Pisarema 51:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Ndakatadzira imi, iyemi moga,+Ndakaita zvakaipa pamberi penyu,+Kuti muve akarurama pamunotaura,+Kuti murege kuva nemhosva pamunotonga.+ Jeremiya 2:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Zvakaipa zvako ngazvikururamise,+ uye mabasa ako okusatendeka ngaakutsiure.+ Saka ziva, uone kuti kusiya kwako Jehovha Mwari wako chinhu chakaipa nechinorwadza,+ uye hausati wava kunditya,’+ ndizvo zvinotaura Changamire+ Ishe, Jehovha wemauto. Ezekieri 36:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 Muchatoyeuka nzira dzenyu dzakaipa nezvamakaita zvakanga zvisina kunaka,+ uye muchatozvisema nokuda kwokukanganisa kwenyu uye nokuda kwezvinhu zvenyu zvinosemesa.+
4 Ndakatadzira imi, iyemi moga,+Ndakaita zvakaipa pamberi penyu,+Kuti muve akarurama pamunotaura,+Kuti murege kuva nemhosva pamunotonga.+
19 Zvakaipa zvako ngazvikururamise,+ uye mabasa ako okusatendeka ngaakutsiure.+ Saka ziva, uone kuti kusiya kwako Jehovha Mwari wako chinhu chakaipa nechinorwadza,+ uye hausati wava kunditya,’+ ndizvo zvinotaura Changamire+ Ishe, Jehovha wemauto.
31 Muchatoyeuka nzira dzenyu dzakaipa nezvamakaita zvakanga zvisina kunaka,+ uye muchatozvisema nokuda kwokukanganisa kwenyu uye nokuda kwezvinhu zvenyu zvinosemesa.+