RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 9:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Imba iyi ichava murwi wezvakaparadzwa.+ Munhu wose anopfuura pedyo nayo acharamba akatarira achishamisika+ uye acharidza muridzo oti, ‘Jehovha akaitirei nyika iyi neimba iyi zvakadai?’+

  • 2 Madzimambo 25:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Akapisa imba yaJehovha+ neimba yamambo+ nedzimba dzose dzomuJerusarema;+ uye akapisawo dzimba dzevakuru vose nomoto.+

  • 2 Makoronike 7:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Kana iri imba iyi ichange yava murwi wezvakaparadzwa,+ munhu wose anopfuura pedyo nayo acharamba akatarira achishamisika,+ oti, ‘Jehovha akaitirei nyika iyi neimba iyi zvakadai?’+

  • 2 Makoronike 36:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Akapisa imba yaMwari wechokwadi,+ akaputsa rusvingo+ rweJerusarema; uye vakapisa shongwe dzaro dzose dzokugara nomoto nezvinhu zvaro zvose zvinokosha,+ zvokuti zvose zvakaparadzwa.+

  • Pisarema 74:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  8 Ivo nevana vavo, vakataura pamwe chete mumwoyo mavo vachiti:

      “Nzvimbo dzose dzokuunganira dzaMwari dzinofanira kupiswa munyika yacho.”+

  • Pisarema 79:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 79 Haiwa Mwari, marudzi akapinda munhaka yenyu;+

      Akasvibisa temberi yenyu tsvene;+

      Akaita kuti Jerusarema rive murwi wezvakaparadzwa.+

  • Jeremiya 26:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 “Mika+ wokuMoresheti+ akanga achiprofita pamazuva aHezekiya mambo waJudha,+ akati kuvanhu vose vaJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ziyoni richarimwa somundawo zvawo,+ Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reImba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.”’+

  • Mariro 2:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  7 Jehovha akarasa atari yake.+ Akasema nzvimbo yake tsvene.+

      Akaisa masvingo eshongwe dzaro dzokugara+ muruoko rwomuvengi.

      Vakashevedzera vari muimba yaJehovha, sepazuva romutambo.+

  • Ezekieri 24:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 ‘Iti kuimba yaIsraeri: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarirai ndichasvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ iro simba+ renyu ramunodada naro, icho chinhu chinodiwa nemaziso enyu+ nechinhu chinonzwirwa tsitsi nemweya yenyu, uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vamakasiya—vachaurayiwa nebakatwa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe