RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 2:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Vapristi havana kuti, ‘Jehovha ari kupi?’+ Vaya vanoita zvomutemo havana kundiziva;+ uye vafudzi vakanditadzira,+ naivowo vaprofita vakaprofita naBhaari,+ uye vakatevera vaya vaisagona kubatsira.+

  • Jeremiya 14:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Kana ndikaenda kusango, tarirai, kune vaya vakaurayiwa nebakatwa!+ Kana ndikapinda muguta, tarirai, kunewo matenda aikonzerwa nenzara!+ Nokuti muprofita nomupristi vadzungaira nenyika yavasina kuziva.’”+

  • Jeremiya 23:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 “Nokuti muprofita nomupristi vasvibiswa.+ Ndakawanawo zvakaipa zvavo muimba yangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.

  • Mika 3:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 “Zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kudzungairisa vanhu vangu,+ vari kuruma nemazino avo+ uye vanoshevedzera kuti, ‘Rugare!’+ kuti kana ani naani akasaisa chinhu mukanwa mavo, vamurwise,+

  • Mika 3:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Vakuru varo vanotonga kuti vangowana pfumbamuromo,+ vapristi varo vanorayiridza kuti vangowana mubhadharo,+ vaprofita varo vanoshopera kuti vangowana mari;+ vanoramba vachizvitsigisa naJehovha, vachiti: “Jehovha haasi pakati pedu here?+ Hapana dambudziko richatiwira.”+

  • Zefaniya 3:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Vaprofita varo vaizvitutumadza, vaiva varume vanonyengera.+ Vapristi varo vakasvibisa zvinhu zvaiva zvitsvene; vakaitira mutemo chisimba.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe