RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 17:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 uye Jehovha akaramba achinyevera+ Israeri+ naJudha+ achishandisa vaprofita vake vose+ nevaoni+ vose, achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa,+ muchengete mirayiro yangu,+ mirau yangu,+ maererano nomutemo wose+ wandakarayira madzibaba+ enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa vashumiri vangu vaprofita”;+

  • 2 Makoronike 36:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivatumira shoko achishandisa nhume dzake,+ achivatumira avatumirazve, nokuti ainzwira tsitsi vanhu vake+ nenzvimbo yake yokugara.+

  • Nehemiya 9:30
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 30 Asi makavanzwira tsitsi kwemakore mazhinji,+ mukaramba muchivapupurira+ nomudzimu wenyu muchishandisa vaprofita venyu, asi havana kuteerera.+ Makazovaisa muruoko rwemarudzi enyika dzacho.+

  • Jeremiya 25:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Jehovha akakutumirai vashumiri vake vose vaprofita, achifumomuka achivatuma, asi hamuna kuteerera,+ uyewo hamuna kurereka nzeve yenyu kuti muteerere,+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe