Pisarema 18:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu.+Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari,+Ndiye nhoo yangu nenyanga yangu yoruponeso, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.+ Zvirevo 18:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Zita raJehovha inhare yakasimba.+ Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.+ Isaya 25:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Nokuti mava nhare kumunhu akaderera, nenhare kumurombo pakutambudzika kwake,+ nekwokupotera padutu rine mvura, nomumvuri+ pakupisa, mhepo yevanodzvinyirira painenge yakaita sedutu rine mvura rinorovera pamadziro. Jeremiya 17:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Musava chinhu chinotyisa kwandiri.+ Ndimi nzvimbo yangu yokupotera pazuva redambudziko.+ Nahumi 1:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Jehovha akanaka,+ inhare+ muzuva rokutambudzika.+ Anoziva vaya vanopotera kwaari.+
2 Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu.+Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari,+Ndiye nhoo yangu nenyanga yangu yoruponeso, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.+
4 Nokuti mava nhare kumunhu akaderera, nenhare kumurombo pakutambudzika kwake,+ nekwokupotera padutu rine mvura, nomumvuri+ pakupisa, mhepo yevanodzvinyirira painenge yakaita sedutu rine mvura rinorovera pamadziro.