RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 30:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+

  • Isaya 43:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 “Usatya, nokuti ndinewe.+ Ndichaunza vana vako kubva kunobuda zuva, uye ndichakuunganidza kubva kumavirazuva.+

  • Jeremiya 23:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 “Ini ndichaunganidza makwai angu akasara kubva kunyika dzose dzandakanga ndaaparadzira kwadziri,+ ndichaadzosa kumafuro awo,+ uye iwo achabereka owanda.+

  • Ezekieri 34:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Ndichaabudisa+ pakati pemarudzi, ndoaunganidza achibva kunyika dzacho, ndoita kuti aende kunyika yawo,+ ndoafudza pamakomo aIsraeri, pedyo nehova uye pedyo nenzvimbo dzose dzokugara dzenyika yacho.+

  • Ezekieri 37:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 “Zvino uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai ndichatora vanakomana vaIsraeri pakati pemarudzi avakaenda kwaari, ndichavaunganidza vachibva kumativi ose ndovaunza kunyika yavo.+

  • Hosiya 1:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Vanakomana vaJudha nevanakomana vaIsraeri vachaunganidzwa pamwe chete vakabatana+ uye vachagadza mukuru mumwe chete, vobuda munyika yacho,+ nokuti zuva reJezreeri richava guru.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe