-
Ezekieri 6:9Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
-
-
9 Vanopukunyuka venyu vachandiyeuka vari pakati pemarudzi kwavachange vatapwa,+ nokuti ndave ndakaora mwoyo nokuda kwemwoyo yavo inofeva yakatsauka ichindisiya+ uye nokuda kwemaziso avo anoita ufeve achitevera zvidhori zvavo zvinosemesa sendove;+ uye zviso zvavo zvicharatidza kusemeswa nezvinhu zvakaipa zvavakaita muzvinhu zvavo zvose zvinosemesa.+
-
-
Zekariya 12:10Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
-
-
10 “Ndichadururira mudzimu wenyasha+ nowokuteterera+ paimba yaDhavhidhi nepavagari vomuJerusarema, vachatarira Iye wavakabvoora,+ vachaungudza pamusoro pake sokuungudza kunoitirwa mwanakomana mumwe chete; uye vacharira vachishungurudzwa pamusoro pake sokurira uchishungurudzwa kunoitirwa mwanakomana wedangwe.+
-