2 Madzimambo 23:34 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 34 Farao Neko akagadzawo Eriyakimu+ mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo paJosiya baba vake, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; uye akatora Jehoahazi akabva aenda naye kuIjipiti, kwaakazofira.+ Isaya 30:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 vaya vari kugadzirira kuenda kuIjipiti+ asi vasina kundibvunza,+ kuti vavande munhare yaFarao uye kuti vatizire mumumvuri weIjipiti!+ Isaya 30:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Nhare yaFarao ichava chikonzero chokuti munyare,+ uye kutizira mumumvuri weIjipiti chikonzero chokuti muninipiswe.+ Jeremiya 2:36 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 36 Nei uchiona kuchinja kwako nzira sechinhu chisingambokoshi?+ Uchanyadziswawo neIjipiti,+ sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiriya.+ Mariro 5:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Takatambanudzira ruoko+ kuIjipiti;+ kuAsiriya,+ kuti tigutswe nezvokudya. Ezekieri 20:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Ndakati kwavari, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zvinhu zvinonyangadza zvakatendeukirwa kwazviri nemaziso ake,+ regai kuzvisvibisa nezvidhori zvinosemesa sendove zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+
34 Farao Neko akagadzawo Eriyakimu+ mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo paJosiya baba vake, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; uye akatora Jehoahazi akabva aenda naye kuIjipiti, kwaakazofira.+
2 vaya vari kugadzirira kuenda kuIjipiti+ asi vasina kundibvunza,+ kuti vavande munhare yaFarao uye kuti vatizire mumumvuri weIjipiti!+
3 Nhare yaFarao ichava chikonzero chokuti munyare,+ uye kutizira mumumvuri weIjipiti chikonzero chokuti muninipiswe.+
36 Nei uchiona kuchinja kwako nzira sechinhu chisingambokoshi?+ Uchanyadziswawo neIjipiti,+ sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiriya.+
7 Ndakati kwavari, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zvinhu zvinonyangadza zvakatendeukirwa kwazviri nemaziso ake,+ regai kuzvisvibisa nezvidhori zvinosemesa sendove zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+