RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 3:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti+ uye kuti ndivabudise munyika iyoyo kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi,+ kunharaunda yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi.+

  • Dheuteronomi 6:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Teerera, haiwa iwe Israeri, uchenjerere kuzviita,+ kuti zvikufambire zvakanaka+ uye kuti muve vazhinji, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wemadzitateguru enyu,+ pamusoro penyika inoyerera mukaka nouchi.

  • Dheuteronomi 8:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukupinza munyika yakanaka,+ nyika ine mipata ine hova dzemvura, zvitubu nemadziva akadzika anobuda mubani+ nomunzvimbo ine makomo,

  • Joshua 5:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Nokuti vanakomana vaIsraeri vakanga vafamba murenje kwemakore makumi mana,+ kusvikira rudzi rwose rwevarume vehondo vakabuda muIjipiti, vasina kuteerera inzwi raJehovha rwapera, vakanga vapikirwa naJehovha kuti aisazomboita kuti vaone nyika+ yakanga yapikirwa madzitateguru avo naJehovha kuti atipe,+ nyika inoyerera mukaka nouchi.+

  • Jeremiya 11:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 kuti ndiite mhiko yandakapikira madzitateguru enyu,+ kuti ndiape nyika inoyerera mukaka nouchi,+ sezvazvakaita nhasi.’”’”

      Zvino ndakapindura ndikati: “Ameni, haiwa Jehovha.”

  • Jeremiya 32:22
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 22 “Kwapera nguva yakati, makavapa nyika ino yamakapikira madzitateguru avo kuti muchavapa,+ nyika inoyerera mukaka nouchi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe