RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Samueri 7:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Ndiye achavakira zita rangu imba,+ uye ndichasimbisa kwazvo chigaro choumambo hwake nokusingagumi.+

  • Isaya 9:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+

  • Ezekieri 37:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 Vachagara panyika yandakapa mushumiri wangu, Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ vachagara mairi,+ ivo nevanakomana vavo nevanakomana vevanakomana vavo nokusingagumi,+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nokusingagumi.+

  • Dhanieri 7:14
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 14 Akapiwa ushe+ nokukudzwa+ noumambo,+ kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.+ Ushe hwake ushe hunogara nokusingagumi, husingazopfuuri, uye umambo hwake ndohuya husingazoparadzwi.+

  • Mika 4:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Ndichaita kuti ivo vakanga vachikamhina vave vanosara,+ uye ndichaita kuti ivo vakabviswa vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+ Jehovha achava mambo wavo ari muGomo reZiyoni, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+

  • Zvakazarurwa 11:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe+ wedu nohwaKristu+ wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe