Pisarema 2:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Uchaaputsa netsvimbo youmambo yesimbi,+Uchaaputsa-putsa somudziyo womuumbi.”+ Pisarema 110:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi+Achaputsa-putsa madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.+ Isaya 60:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Nokuti rudzi chero rupi zvarwo noumambo chero hupi zvahwo husingazokushandiri huchaparara; uye chokwadi marudzi achaparadzwa.+ Dhanieri 11:45 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 45 Achadzika matende omuzinda wake pakati pegungwa guru negomo dzvene Rokushongedzwa;+ uye achasvika pakuparadzwa,+ asi hapazovi neanomubatsira.+ Zvakazarurwa 19:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Mumuromo make makabuda bakatwa refu+ rakapinza, kuti ateme marudzi naro, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Iye anotsikawo chisviniro chewaini+ yokutsamwa kwehasha dzaMwari+ Wemasimbaose.
12 Nokuti rudzi chero rupi zvarwo noumambo chero hupi zvahwo husingazokushandiri huchaparara; uye chokwadi marudzi achaparadzwa.+
45 Achadzika matende omuzinda wake pakati pegungwa guru negomo dzvene Rokushongedzwa;+ uye achasvika pakuparadzwa,+ asi hapazovi neanomubatsira.+
15 Mumuromo make makabuda bakatwa refu+ rakapinza, kuti ateme marudzi naro, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Iye anotsikawo chisviniro chewaini+ yokutsamwa kwehasha dzaMwari+ Wemasimbaose.