Zvirevo 3:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Mazuva mazhinji ari muruoko rwahwo rworudyi;+ muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.+ Isaya 14:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Marudzi achavatora ouya navo kunzvimbo yawo, uye imba yaIsraeri ichavatora kuti vave vavo panyika yaJehovha kuti vave vashandirume nevashandikadzi;+ vachatapa+ vaya vaivatapa, uye vachava nesimba pane vaya vaivashandisa.+ Dhanieri 2:48 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 48 Naizvozvo mambo akagadza Dhanieri kuti ave munhu mukuru,+ uye akamupa zvipo zvikuru zvakawanda, akaita kuti ave mutongi wedunhu rose reBhabhironi+ uye mutariri mukuru wevarume vose vakachenjera veBhabhironi. Dhanieri 5:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 Panguva iyoyo Bheshazari akarayira, ivo vakapfekedza Dhanieri nguo dzepepuru, nechishongo chendarama muhuro make; uye vakazivisa nezvake kuti aizova mutongi wechitatu muumambo hwacho.+
2 Marudzi achavatora ouya navo kunzvimbo yawo, uye imba yaIsraeri ichavatora kuti vave vavo panyika yaJehovha kuti vave vashandirume nevashandikadzi;+ vachatapa+ vaya vaivatapa, uye vachava nesimba pane vaya vaivashandisa.+
48 Naizvozvo mambo akagadza Dhanieri kuti ave munhu mukuru,+ uye akamupa zvipo zvikuru zvakawanda, akaita kuti ave mutongi wedunhu rose reBhabhironi+ uye mutariri mukuru wevarume vose vakachenjera veBhabhironi.
29 Panguva iyoyo Bheshazari akarayira, ivo vakapfekedza Dhanieri nguo dzepepuru, nechishongo chendarama muhuro make; uye vakazivisa nezvake kuti aizova mutongi wechitatu muumambo hwacho.+