Isaya 59:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Tinoramba tichitsvangadzira madziro sezvinoita mapofu, uye tinoramba tichitsvangadzira sezvinoita vaya vasina maziso.+ Takagumburwa masikati machena sezvinongoitika murima manheru; takaita sevanhu vakafa+ pakati pevakasimba. Amosi 8:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 “‘Zvino pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati makuru,+ uye ndichaita kuti panyika pave nerima masikati machena.
10 Tinoramba tichitsvangadzira madziro sezvinoita mapofu, uye tinoramba tichitsvangadzira sezvinoita vaya vasina maziso.+ Takagumburwa masikati machena sezvinongoitika murima manheru; takaita sevanhu vakafa+ pakati pevakasimba.
9 “‘Zvino pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati makuru,+ uye ndichaita kuti panyika pave nerima masikati machena.