19 Hakuna anoyeuka mumwoyo+ make kana kuti anoziva kana kuti anonzwisisa,+ achiti: “Ndapisa hafu yawo nomoto, uye ndabikawo chingwa nemazimbe awo; ndagocha nyama ndikadya. Zvino ndingagadzira chinhuwo zvacho chinosemesa+ nowasara here? Ndingagwadamira danda romuti rakaoma here?”