Dheuteronomi 28:49 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 49 “Jehovha achakumutsira rudzi ruri kure,+ runobva kumugumo wenyika, sokubvuta kunoita gondo,+ rudzi rune rurimi rwausingazonzwisisi,+ Jeremiya 5:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 “Tarirai ndiri kukuunzirai rudzi runobva kure,+ haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Irwo rudzi runogara nguva refu.+ Rudzi rwekare kare, rudzi rune mutauro wamusingazivi, uye wamusingagoni kunzwa muchinzwisisa zvavanotaura. Jeremiya 6:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Zvanzi naJehovha: “Tarirai! Vanhu vari kuuya vachibva kunyika yokuchamhembe, uye kune rudzi rukuru ruchamutswa ruchibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ Ezekieri 23:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 vanakomana vokuBhabhironi+ nevaKadheya+ vose, Pekodhi+ naShoa naKoa, vanakomana vose vokuAsiriya vari pamwe chete navo, majaya akanaka, magavhuna nevatevedzeri vevatongi, vose zvavo, varwi nevakashevedzwa, vanotasva mabhiza, vose zvavo.
49 “Jehovha achakumutsira rudzi ruri kure,+ runobva kumugumo wenyika, sokubvuta kunoita gondo,+ rudzi rune rurimi rwausingazonzwisisi,+
15 “Tarirai ndiri kukuunzirai rudzi runobva kure,+ haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Irwo rudzi runogara nguva refu.+ Rudzi rwekare kare, rudzi rune mutauro wamusingazivi, uye wamusingagoni kunzwa muchinzwisisa zvavanotaura.
22 Zvanzi naJehovha: “Tarirai! Vanhu vari kuuya vachibva kunyika yokuchamhembe, uye kune rudzi rukuru ruchamutswa ruchibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
23 vanakomana vokuBhabhironi+ nevaKadheya+ vose, Pekodhi+ naShoa naKoa, vanakomana vose vokuAsiriya vari pamwe chete navo, majaya akanaka, magavhuna nevatevedzeri vevatongi, vose zvavo, varwi nevakashevedzwa, vanotasva mabhiza, vose zvavo.