23 Naizvozvo, imi vanakomana veZiyoni, farai mufarire kwazvo Jehovha Mwari wenyu;+ nokuti iye achatokupai mvura yokutanga yakawanda zvakakodzera,+ achakunayisirai mvura zhinji, mvura yokutanga nemvura yokupedzisira, sezvazvakanga zvakaita pakutanga.+