RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 7:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 “Rambai muchikumbira,+ uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza,+ uye muchazarurirwa.

  • Mateu 18:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Chokwadi ndinotizve kwamuri, Kana vaviri venyu panyika vakabvumirana pamusoro pechimwe chinhu chinokosha chavanofanira kukumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.+

  • Mateu 21:22
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 22 Zvinhu zvose zvamunokumbira mumunyengetero, muine kutenda, muchazvigamuchira.”+

  • Ruka 11:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Naizvozvo ndinoti kwamuri, Rambai muchikumbira,+ uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka,+ uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.

  • Johani 14:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Uyewo, zvose zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudzwe pachishandiswa Mwanakomana.+

  • Johani 15:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chose chamunoda uye muchachiitirwa.+

  • Johani 16:24
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 24 Kusvikira panguva ino hamuna kumbokumbira chinhu chimwe chete muzita rangu. Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadziswe.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe