Isaya 9:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru.+ Vaya vanogara munyika yezarima,+ vakapenyerwa nechiedza.+ Isaya 49:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Iye akati: “Chave chiri chinhu chikuru kwazvo kuti iwe uve mushumiri wangu, kuti umutse madzinza aJakobho uye kuti udzose vakachengetedzwa vaIsraeri;+ ndakuitawo kuti uve chiedza chemamwe marudzi,+ kuti ruponeso rwangu rusvike kumugumo wenyika.”+ Mateu 4:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 vanhu vagere murima+ vakaona chiedza chikuru,+ uye vaya vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza+ chakavabudira.”+ Johani 1:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Chiedza chiri kupenya murima,+ asi rima harina kuchikunda. Johani 12:35 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 35 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku. Fambai muchiine chiedza, kuti rima+ rirege kukukundai; uye anofamba murima haazivi kwaari kuenda.+
2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru.+ Vaya vanogara munyika yezarima,+ vakapenyerwa nechiedza.+
6 Iye akati: “Chave chiri chinhu chikuru kwazvo kuti iwe uve mushumiri wangu, kuti umutse madzinza aJakobho uye kuti udzose vakachengetedzwa vaIsraeri;+ ndakuitawo kuti uve chiedza chemamwe marudzi,+ kuti ruponeso rwangu rusvike kumugumo wenyika.”+
16 vanhu vagere murima+ vakaona chiedza chikuru,+ uye vaya vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza+ chakavabudira.”+
35 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku. Fambai muchiine chiedza, kuti rima+ rirege kukukundai; uye anofamba murima haazivi kwaari kuenda.+