Mika 3:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 ‘Naizvozvo muchava nousiku,+ kuti parege kuva nechinoratidzwa;+ uye muchava nerima, kuti murege kushopera. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira.+ Johani 12:46 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 46 Ndakauya sechiedza munyika,+ kuti munhu wose anotenda mandiri arege kuramba ari murima.+ 1 Petro 2:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Asi imi muri “dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene,+ vanhu vake chaivo,+ kuti muzivise kwose kwose kunaka”+ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.+ 1 Johani 2:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Zvakare, ndiri kukunyorerai murayiro mutsva, chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri, nokuti rima+ riri kupfuura uye chiedza+ chechokwadi chava kutopenya.
6 ‘Naizvozvo muchava nousiku,+ kuti parege kuva nechinoratidzwa;+ uye muchava nerima, kuti murege kushopera. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira.+
9 Asi imi muri “dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene,+ vanhu vake chaivo,+ kuti muzivise kwose kwose kunaka”+ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.+
8 Zvakare, ndiri kukunyorerai murayiro mutsva, chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri, nokuti rima+ riri kupfuura uye chiedza+ chechokwadi chava kutopenya.