17 Akati kwaari kechitatu: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida kwazvo here?” Petro akashungurudzwa nokuti akati kwaari kechitatu: “Unondida kwazvo here?” Naizvozvo akati kwaari: “Ishe, munoziva zvinhu zvose;+ munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu akati kwaari: “Dyisa makwai angu maduku.+