45 Asi vanhu vakati kuna Sauro: “Jonatani anofanira kufa here, iye aponesa+ vaIsraeri zvikuru kudai? Hazvimboiti!+ NaJehovha mupenyu,+ hapana kana bvudzi rimwe+ romusoro wake richawira pasi; nokuti ashanda naMwari nhasi.”+ Naizvozvo vanhu vakadzikinura+ Jonatani, uye haana kufa.