RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 53:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Nokuda kwokunetseka kwomweya wake iye achaona,+ achagutswa.+ Nokuziva kwake munhu akarurama, mushumiri wangu,+ achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama;+ uye achava nemhosva yokukanganisa kwavo.+

  • Jeremiya 31:34
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 34 “Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake,+ achiti, ‘Zivai Jehovha!’+ nokuti vose vachandiziva, kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukuru wavo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.”+

  • Ezekieri 34:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 Ndichaamutsira mufudzi mumwe chete,+ uye iye achaafudza, iye mushumiri wangu Dhavhidhi.+ Achaafudza, uye achava mufudzi wawo.+

  • Dhanieri 9:24
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 24 “Kune vhiki dzine makumi manomwe dzakasarudzirwa vanhu vako+ neguta rako dzvene,+ kuti kudarika kugumiswe,+ kuti chivi chipedzwe zvachose,+ kuti kukanganisa kuyananisirwe,+ kuti kururama kuunzwe nokusingagumi,+ kuti zvakaratidzwa nomuprofita zviiswe chisimbiso,+ uye kuti Nzvimbo Tsvenetsvene izodzwe.+

  • Ruka 24:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Zvino achitangira pane Zvakanyorwa naMosesi+ nezvose Zvakanyorwa nevaprofita,+ akavadudzira zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.

  • Zvakazarurwa 19:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Ndakabva ndawira pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate.+ Asi yakandiudza kuti: “Chenjerera! Usadaro!+ Ndinongovawo muranda pamwe chete newe nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu.+ Namata Mwari;+ nokuti kupupurira Jesu ndicho chinangwa chouprofita.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe