Isaya 35:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+ Mateu 26:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 nokuti iyi inomirira+ ‘ropa rangu+ resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ nokuda kwokukanganwirwa zvivi.+ Tito 2:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 uyo akazvipa+ nokuda kwedu kuti atinunure+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera+ vanhu vake,+ vanoshingairira mabasa akanaka.+ VaHebheru 9:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Naizvozvo ndokusaka Kristu ari murevereri+ wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagamuchire chipikirwa chenhaka isingaperi,+ nokuti iye akafira kuti vasunungurwe norudzikinuro+ pakudarika kwaiitwa musungano yokutanga.+
10 Vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nomufaro;+ uye kufara nokusingagumi kuchava pamisoro yavo.+ Vachapembera nomufaro uye vachafara, shungu nokugomera zvichatiza.+
28 nokuti iyi inomirira+ ‘ropa rangu+ resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ nokuda kwokukanganwirwa zvivi.+
14 uyo akazvipa+ nokuda kwedu kuti atinunure+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera+ vanhu vake,+ vanoshingairira mabasa akanaka.+
15 Naizvozvo ndokusaka Kristu ari murevereri+ wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagamuchire chipikirwa chenhaka isingaperi,+ nokuti iye akafira kuti vasunungurwe norudzikinuro+ pakudarika kwaiitwa musungano yokutanga.+