7 Jehovha Mwari wematenga, uyo akandibvisa paimba yababa vangu nepanyika yehama dzangu,+ uyo akataura neni uye akandipikira,+ achiti, ‘Ndichapa mwana wako+ nyika ino,’+ achatuma ngirozi yake pamberi pako,+ uye uchatorera mwanakomana wangu mudzimai ikoko.+