3 Nokuti munguva+ yakapfuura makapedza nguva yakakwana muchiita zvaidiwa nemamwe marudzi+ pamairamba muri pamabasa okusazvibata,+ pakuchiva kwazvo, pakunyanyisa kunwa waini,+ pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.+