6 Zvino vakatora Jeremiya, vakamukanda mumugodhi wemvura waMarikija+ mwanakomana wamambo, waiva muChivanze cheVarindi.+ Naizvozvo vakadzikisa Jeremiya netambo. Zvino mumugodhi macho makanga musina mvura, asi maiva nematope; uye Jeremiya akatanga kunyura mumatope acho.+