RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 2:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  8 Ndikumbire,+ kuti ndikupe marudzi ave nhaka yako+

      Nokumigumo yenyika kuti kuve kwako.+

  • Mateu 19:28
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 28 Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pakusikwazve, Mwanakomana womunhu paanogara pachigaro chake choumambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.+

  • Ruka 22:29
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 29 uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano+ youmambo+ neni kwakaita Baba vangu,

  • Zvakazarurwa 3:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Ndichabvumira anokunda+ kuti agare neni pachigaro changu choumambo,+ ini zvandakakunda ndikagara+ naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.+

  • Zvakazarurwa 20:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Zvino ndakaona zvigaro zvoumambo,+ uye pakanga paine vaya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokutonga.+ Chokwadi, ndakaona mweya yevaya vakaurayiwa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, nevaya vakanga vasina kunamata chikara+ kana mufananidzo wacho+ uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo+ naKristu kwemakore ane chiuru.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe