Mateu 6:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Umambo hwenyu+ ngahuuye. Kuda kwenyu+ ngakuitwe panyika,+ sezvakunoitwa kudenga. Mateu 26:39 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 39 Achienda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake, achinyengetera+ achiti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi+ ngaindipfuure. Zvisinei, kwete sokuda kwangu,+ asi sokuda kwenyu.”+ 1 Petro 4:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 kuti nguva yake yasara panyama,+ arege kuiraramira kuchiva kwevanhu, asi kuda kwaMwari.+ 1 Johani 2:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo,+ asi uyo anoita kuda+ kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.+
39 Achienda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake, achinyengetera+ achiti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi+ ngaindipfuure. Zvisinei, kwete sokuda kwangu,+ asi sokuda kwenyu.”+
17 Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo,+ asi uyo anoita kuda+ kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.+