RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvakazarurwa 8:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Yokutanga yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo kwakava nechimvuramabwe nomoto+ zvakasangana neropa, uye zvakakandwa panyika; chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenyika chakatsva,+ chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvemiti chakatsva, uye zvinomera zvose zvakasvibirira+ zvakatsva.

  • Zvakazarurwa 8:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Ngirozi yechipiri yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo chimwe chinhu chakafanana negomo guru+ raibvira moto chakakandwa mugungwa.+ Chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvegungwa chakava ropa;+

  • Zvakazarurwa 8:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Ngirozi yechitatu yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo nyeredzi huru yaibvira serambi yakawa kubva kudenga,+ ikawira pachikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenzizi nepamusoro pezvitubu zvemvura.+

  • Zvakazarurwa 8:12
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 12 Ngirozi yechina yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvezuva chakarohwa pamwe chete nechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvomwedzi nechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenyeredzi, kuti chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvazvo chisvibiswe+ uye kuti masikati arege kuva nechiedza kwechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvawo,+ uye usiku huitewo saizvozvo.

  • Zvakazarurwa 9:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Zvino ngirozi yechishanu yakaridza bhosvo+ rayo. Ndakaona nyeredzi+ yakanga yadonha panyika ichibva kudenga, uye yakapiwa kiyi+ yegomba rakadzikadzika.+

  • Zvakazarurwa 9:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Ngirozi yechitanhatu+ yakaridza bhosvo rayo.+ Naizvozvo ndakanzwa inzwi+ rimwe chete richibuda munyanga dzeatari yendarama+ iri pamberi paMwari,

  • Zvakazarurwa 11:15
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe+ wedu nohwaKristu+ wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe