Isaya 6:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Ini ndakati: “Kusvikira rini, haiwa Jehovha?”+ Iye akabva ati: “Kusvikira maguta ava matongo, asisina anogara maari, dzimba dzisisina munhu wepanyika anogaramo, uye nyika yacho yaparadzwa, yava nzvimbo isina chinhu;+ Jeremiya 4:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Iye akwira seshumba inobuda mudenhere rayo,+ uye uya ari kuparadza marudzi abva;+ abva panzvimbo yake kuti aite kuti nyika yako ive chinhu chinokatyamadza. Maguta ako achaita matongo zvokuti hapana anozogaramo.+ Jeremiya 26:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 “Mika+ wokuMoresheti+ akanga achiprofita pamazuva aHezekiya mambo waJudha,+ akati kuvanhu vose vaJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ziyoni richarimwa somundawo zvawo,+ Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reImba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.”’+ Mika 3:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Naizvozvo Ziyoni richarimwa somundawo zvawo nemhosva yenyu, Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reimba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.
11 Ini ndakati: “Kusvikira rini, haiwa Jehovha?”+ Iye akabva ati: “Kusvikira maguta ava matongo, asisina anogara maari, dzimba dzisisina munhu wepanyika anogaramo, uye nyika yacho yaparadzwa, yava nzvimbo isina chinhu;+
7 Iye akwira seshumba inobuda mudenhere rayo,+ uye uya ari kuparadza marudzi abva;+ abva panzvimbo yake kuti aite kuti nyika yako ive chinhu chinokatyamadza. Maguta ako achaita matongo zvokuti hapana anozogaramo.+
18 “Mika+ wokuMoresheti+ akanga achiprofita pamazuva aHezekiya mambo waJudha,+ akati kuvanhu vose vaJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ziyoni richarimwa somundawo zvawo,+ Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reImba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.”’+
12 Naizvozvo Ziyoni richarimwa somundawo zvawo nemhosva yenyu, Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reimba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.