22 ‘Hamundityiwo here,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kana kuti hamusi kurwadziwa kwazvo nokuda kwangu,+ iye akaita kuti jecha rive muganhu wegungwa, murau unogara nokusingagumi warisingagoni kudarika here? Kunyange mafungu aro akazvikanda, haangakundi; uye kunyange akasagadzikana, haangaupfuuri.+