-
Mateu 24:37-39Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
37 Nekuti sezvakanga zvakaita mazuva aNoa,+ ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo* kweMwanakomana wemunhu.+ 38 Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka,+ 39 vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese,+ ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.
-