16 Nyika yakagoverwa vanhu vekwaJosefa+ pachishandiswa mujenya+ yaitangira paJodhani kuJeriko ichisvika kuchitubu chiri kumabvazuva kweJeriko, ichipfuura nemugwenga ichikwira kubva kuJeriko kuenda kumakomo ekuBheteri.+ 2 Kubva kuBheteri pedyo neRuzi, yaipfuurira kusvika kumuganhu wevaAki kuAtaroti,