8 Akazobva ipapo akaenda kumakomo ari kumabvazuva kweBheteri,+ akadzika tende rake, Bheteri iri kumavirira uye Ai+ iri kumabvazuva. Akavakira Jehovha atari+ ipapo, akatanga kudana zita raJehovha.+ 9 Abramu akazoputsa musasa, akabva aramba achingotamisa-tamisa musasa akananga kuNegebhu.+