10 Mwari akati kwaari: “Unonzi Jakobho.+ Hauchanzizve Jakobho, asi uchanzi Israeri.” Uye akatanga kumushevedza kuti Israeri.+ 11 Mwari akatizve kwaari: “Ndini Mwari Wemasimbaose.+ Bereka uwande. Uchava baba vemarudzi akawanda,+ uye madzimambo achabva kwauri.+