RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 4:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+

  • Eksodho 7:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Kunyange zvakadaro Farao akaomesa mwoyo,+ uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

  • Eksodho 7:22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Kunyange zvakadaro, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo,+ zvekuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+

  • Eksodho 8:15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Farao paakaona kuti dambudziko racho rakanga rapfuura, akaomesa mwoyo wake+ uye akaramba kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

  • Eksodho 8:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Saka vapristi vaiita zvemashiripiti vakati kuna Farao: “Uyu munwe waMwari!”+ Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, uye haana kuteerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

  • Eksodho 9:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvateerera, sezvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha.+

  • Eksodho 9:35
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 35 Mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kurega vaIsraeri vachienda, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+

  • Eksodho 10:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma,+ uye Farao haana kurega vaIsraeri vachienda.

  • Eksodho 10:27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvarega kuti vaende.+

  • Eksodho 11:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvese izvi pamberi paFarao,+ asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, zvekuti haana kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.+

  • Eksodho 14:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao mambo weIjipiti uchioma, uye akatevera vaIsraeri pavakanga vachibuda nechivimbo.*+

  • VaRoma 9:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+ 18 Saka anonzwira ngoni waanoda, asi anorega waanoda achiomesa mwoyo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe