Eksodho 4:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+ Eksodho 7:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Kunyange zvakadaro Farao akaomesa mwoyo,+ uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha. Eksodho 7:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Kunyange zvakadaro, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo,+ zvekuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+ Eksodho 8:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Farao paakaona kuti dambudziko racho rakanga rapfuura, akaomesa mwoyo wake+ uye akaramba kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha. Eksodho 8:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Saka vapristi vaiita zvemashiripiti vakati kuna Farao: “Uyu munwe waMwari!”+ Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, uye haana kuteerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha. Eksodho 9:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvateerera, sezvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha.+ Eksodho 9:35 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 35 Mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kurega vaIsraeri vachienda, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+ Eksodho 10:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma,+ uye Farao haana kurega vaIsraeri vachienda. Eksodho 10:27 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvarega kuti vaende.+ Eksodho 11:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvese izvi pamberi paFarao,+ asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, zvekuti haana kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.+ Eksodho 14:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao mambo weIjipiti uchioma, uye akatevera vaIsraeri pavakanga vachibuda nechivimbo.*+ VaRoma 9:17, 18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+ 18 Saka anonzwira ngoni waanoda, asi anorega waanoda achiomesa mwoyo.+
21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+
22 Kunyange zvakadaro, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo,+ zvekuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+
15 Farao paakaona kuti dambudziko racho rakanga rapfuura, akaomesa mwoyo wake+ uye akaramba kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
19 Saka vapristi vaiita zvemashiripiti vakati kuna Farao: “Uyu munwe waMwari!”+ Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, uye haana kuteerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
12 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvateerera, sezvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha.+
35 Mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kurega vaIsraeri vachienda, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+
10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvese izvi pamberi paFarao,+ asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, zvekuti haana kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.+
8 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao mambo weIjipiti uchioma, uye akatevera vaIsraeri pavakanga vachibuda nechivimbo.*+
17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+ 18 Saka anonzwira ngoni waanoda, asi anorega waanoda achiomesa mwoyo.+