-
Joshua 24:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Pandaibudisa madzibaba enyu muIjipiti+ achibva asvika pagungwa, madzibaba enyu akateverwa nevaIjipiti kusvika paGungwa Dzvuku, avo vaiva nengoro dzehondo nevarwi vakatasva mabhiza.+ 7 Vakatanga kuchema kuna Jehovha,+ saka akaisa rima pakati penyu nevaIjipiti, akaita kuti gungwa rivafukidze,+ uye makaona nemaziso enyu zvandakaita muIjipiti.+ Makabva magara murenje kwemakore* mazhinji.+
-